Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 27, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 27, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nenyaya dzehupfumi dzozeya mashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kumusangano mukuru weUnited Nations General Assembly kuNew York nezuro.

Dunhu reMDC USA muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rinoti riri kuenderera mberi nehurongwa hwekuratidza muNew York neMugovera.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoti Zimbabwe yakazvipira kubhadhara zvikwereti zvayo kumabhanga anoti African Development Bank, World Bank, European Investment Bank, International Monetary Fund pamwe neParis Club.

Vaimbove mutungamiri weBotswana, VaSeretse Khama Ian Khama, vanoti Zimbabwe ine zvose zvinoita kuti ibudirire asi zvinoda kuti vatungamiri vazvipire nemoyo yavo yose kuitira kuti nyika ibudirire.

Dynamos inodzinga murairidzi wayo, Lloyd Mutasa, ichipa basa raanga achiita kumutevedzeri wake, George Chigove.

Muchirongwa cheLiveTalk Women’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kuUnited Nations General Assembly.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG