Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 15, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gumiguru 15, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vanhu vochema chema nekuenda kunorapwa kwemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga uye gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo kuSouth Africa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehutano munyika.

ZCTU yokurudzira vashandirwi kuti vape vashandi mari dziri mumadhora ekuAmerica nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxilia Mnangagwa vokurudzira kuti padzikwe mutemo wekuti vananyamukuta vanotadza basa zvinozopa kuti madzimai afe pakusunguka varangwe zvakaomarara.

Mumwe mwana ane makore mashanu ohwina mubayiro mukuru mumakwikwi eTM Bonanza

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika kucherechedza zuva remadzimai ari kumaruwa kana kuti International Day of Rural Women

Chikwata cheZimbabwe chosimudza mukombe weRudgy Sevens

Muchirongwa cheLivetalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyipatara zvenyika zvopa kuti vamwe vakuru venyika vanorapwe kuSouth Africa nedzimwe nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG