Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 24, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana 24, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbove gurukota rezvematunhu nekutongwa kwemaguta muhurumende yaVaRobert Mugabe, VaSavior Kasukuwere, vanosungwa nemapurisa mushure mekuzvipira kumapurisa ayo anonzi anga achivatsvaga nenyaya yebambu rakaputika kuWhite City stadium muBulawayo mwedzi yakati kuti yadarika.

Vanhu vanosvika makumi mana nevatatu vafa nechirwere chekorera muguta reHarare chete kusvika mukuvira kwezuva nezuro

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica apo vari kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York.

Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzinoti hadzikurudzire kuti VaChamisa vashande pamwe chete nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa sezvo vakaita izvi vanenge vatambira kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo.

Zvikwata zvenhabvu zvisere zvinopinda muma Quarter Finals eChibuku Super Cup.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG