Bhanga re Steward Bank rinoti rine hurongwa hwekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvikwanise kutenga dzimba pasina kusungirwa kubhadhara zvikamu kubva muzana zvemari yemba inenge ichida kutengwa.
Mumwe weavo vari kuronga chirongwa ichi muAmerica vakamirira Steward Bank, muzvare Revesayi Nyahasha, vanoti vachange vachiparura chirongwa ichi kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kuDallas Texas neMugovera. Izvi zvinotevera chirongwa chekutanga chakaitirwa muWashington DC neChishanu chapfuura.
Muzvare Nyahasha vanoti zvakakosha kuti vanhu vawane pekusvikira kana vachinge vashanya kumusha pavanoti pavo, uye vanokwanisawo kuchengeta hama dzavo mudzimba idzi dzinenge dziri mumazita avo.
"Chirongwa ichi chirikutambirwa zvakanaka chaizvo muAmerica uye tiri kushandisa chizvino zvino chema Apps mukubatsira vanenge vachida kupinda muchirongwa ichi padandemutande. Vanokwanisa kushandisa app yedu mukuvhura bhuku rekubhangi yedu uye mukuzo tenga imba pasi pechirongwa chedu ichi," Muzvare Nyahasha vaudza Studio 7.
Facebook Forum