Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura paramende yechipfumbamwe zviri pamutemo vachiti dare iri richazeya nekugadzirisa mitemo yekurerutsa mafambisirwo emabhizimisi, kurwisa huwori pamwe nekuumbwa kwehurumende dzematunhu.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe Ambassador Brian Nichols vanoti nyika yavo iri kuedza nepaigona napo kubatsira Zimbabwe munyaya dzehutano. Vachitaura naMarvellous Mhlanga-Nyahuye weVoice Of America - Studio7 muWashington neChishanu, Ambassador Nichols vvakataurawo pamusoro pezvirango zvehupfumi.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaBrian Nichols avo vari kumboita misangano nekuru vehurumende yavo muAmerica vanoti vakatarisirazve kusangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa kuti vazeye remangwana rehukama hweZimbabwe neAmerica.
Dare remakurukota richangobva mukusarudzwa rogara kekutanga muHarare nhasi ukuwo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitarisirwa mangwana kuvhura dare reparamende zviri pamutemo nekusuma vanhu hurongwa hwavo hwekufambisa nyika mberi.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe Ambassador Brian Nichols vanoti nyika yavo iri kuedza nepaigona napo kubatsira Zimbabwe munyaya dzehutano. Va Nichols vakaudza Studio7 kuti vari kutsvaga rubatsiro kubva kubazi rinoona nezvezvirwere muAmerica, re Centers for Disease mukurwisa dambudziko rekorera.
Ambassador Brian Nichols vachitaura pamusoro pezvirango zvakatemherwa nyika. Ambassador Nichols vakashanyira Studio7 iri paVoice Of America muWashington DC neChishanu. Nyaya ina Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7.
Vabereki vakawanda vorambidza vana vavo kuenda kuchikoro vachityira kuti vangabatwe nechirwere chekorera chanetsa zvikuru muguta guru renyika.
Vaimbove gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa, vanosungwa vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero hurumende ichiti vakaita huori pamabatiro avakaita nyaya yemushandi wekambani yehurumende yeNatpharm
Makurukota nevatevedzeri vemakurukota ehurumende vanotoreswa mhiko yekushanda muhurumende zviri pamutemo.
Makurukota akasarudzwa svondo rapera nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa otora mhiko nhasi kuState House.
Chief Secretary To The President and Cabinet Dr Misheck Sibanda vachitaura mazita emakurukota ehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, Nyaya ina Godwin Mangudya.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodzoka kumusha mushure mekupinda musangano weForum on China – Africa Cooperation kuChina, uyo wakapindwawo nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica.
Nhengo dzedare reNational Assembly pamwe nedzedare reSenate dzinotoreswa mhiko kuitira kuti dzichitanga kuita basa radzo radzakasarudzirwa neveruzhinji.
Kusarudzwa kwemeya weguta reBulawayo pamwe nemutevedzeri wake kwange kwakatarisirwa kuitwa nhasi kombomiswa.
MDC Alliance inosarudza kanzura veGlen Norah, VaHerbert Gomba sameya weguta reHarare mutsva.
Amai Nancy Kwangwa vanoti vaneshuwiro yekunoita mabasa ekubatsira madzimai nevanasikana vari kumaruva nekuvapakurira zvavarikudzidza pasi pechirongwa chirikukokerwa nehurumende yeAmerica. Amai Kwangwa vanoti vakakurira kumamisha uye vaneshuwiro yekudzokera kunobatsira vanhu vari muzvimbo iyi.
Hama neshamwari dzevaive seneta wemu America, VaJohn McCain, dzaungana neMugovera pa Washington Cathedral mu Washington DC dzichirangarira VaMcCain avo vakashaya nemusi weMugovera wapfuura.
Vanhu vanokuvara zvakaipisisa kuChipinge zvichitevera mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika nezuro.
Vanhu vakawanda vanofa mutsaona yemumugwagwa kuKadoma
Mhuri yeAmerica iri kuenderera mberi ichichema Senator John Mccain avo vakashaya nechirwere chegomarara musi weMugovera.
Rodhai zvimwe