Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Gunyana 03, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Muvhuro Gunyana 03, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

MDC Alliance inosarudza kanzura veGlen Norah, VaHerbert Gomba sameya weguta reHarare mutsva.

Vagari vemuguta reMasvingo vokurudzira hurumende kuti isabvumidze kuvhurwa kwezvikoro mangwana sezvo paine nyaya mbiri dzechirwere chemanyoka che Typhoid dzawanikwa pachipatara cheMasvingo General Hospital, panguva iyo guta iri rave nemazuva anodarika gumi risina mvura.

Musangano we Forum on China-Africa Cooperation Summit (FOCAC) uyo uri kuitwa ku Beijing, ku China unovhurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika iyi Va Xi Jinping. Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa avo vari kupindawo musangano uyu vanotarisirwawo kuzotaura.

Muchikamu chedu chehutano, nhasi tiri kutarisisa zvakadzama chirwere chemanyoka Typhoid, icho chiri kuramba chichinyuka mumatunhu akasiyanasiyana enyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa kugadzwa kwemakanzura mumaguta akasiyanasiyana anosanganisira Harare, uko kwadomwa VaHerbert Gomba sameya mutsva weguta iri.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG