Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana, 17, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana, 17, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dare remakurukota richangobva mukusarudzwa rogara kekutanga muHarare nhasi ukuwo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitarisirwa mangwana kuvhura dare reparamende zviri pamutemo nekusuma vanhu hurongwa hwavo hwekufambisa nyika mberi.

Sangano reZimbabwe Election Support Network rinoti dare reparamenende rinofanira kuvandudza mitemo yesarudzo kuti munyika musarambe muine mutauro.

Dare rezvesarudzo kana kuti Electoral Court rotarisirwa kupa mutongo waro panyaya yekuti ndiyani akakunda kuChegutu West pakati paVaGift Konjana veMDC Alliance naVaDexter Nduna veZanu-PF.

Cholera yoramba ichipararira muZimbabwe uko Botswana neSouth Africa dzotora matanho kuti isapararire munyika idzi.

Guta reMutare rozeya nyaya yebhajeti asi mari zhinji ichiramba ichienda kumari yekutambirisa vashandi kwete kusimudzira magariro evanhu.

Chikwata cheZimbabwe Netball chemaGems choiswa mugungano rakaoma kumakundano e2019 Netball World Cup.

Muchirongwa cheLivetalk, tiri kutarisa nyaya yekugara kwedare reparamende uye kuvhurwa kwedare reparamende mangwana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiparura hurongwa hwavo hwekugadzirisa zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi, hutano nezvimwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG