Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weAmerica muZimbabwe Otarisira Kusanga naVaMnangagwa naVaChamisa


Ambassador Brian Nichols

Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaBrian Nichols avo vari kumboita misangano nevakuru vehurumende yavo muAmerica vanoti vakatarisirazve kusangana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa kuti vazeye remangwana rehukama hweZimbabwe neAmerica.

Muhurukuro yavakaita neStudio 7, Ambassador Nichols vanoti vari kutarisira kuitazve mumwe musangano naVaMnangagwa naVaChamisa kuti vazeye nyaya yekudyidzana kweAmerica neZimbabwe uye maonero avo panyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Vasati vasimuka kuuya kuAmerica mazuva mashoma apfuura Ambassador Nichols vanoti vakasangana naVaMnangagwa naVaChamisa sevatungamiri vemapato maviri makuru munyika. Vanoti vakafadzwa zvikuru nerudo nenyika yeZimbabwe hwakaratidzwa nevaviri ava.

Mukusimbaradza hukama pakati penyika mbiri idzi, VaNichols vanoti vachaita zvirongwa zvekudyidzana panyaya yetsika nemagariro.

Ambassador Nichols vanoti Zimbabwe ine mukana wekugadzirisa hupfumi hwayo nyaya muzvirongwa zvekurima nekushanyirana kana nyika iyi ikakwanisa kusimbaradza hutongo hwejechetere.

VaNichols vakaramba mashoko ekuti America yakatemera Zimbabwe zvirango vachiti vanhu zana nemakumi mashanu nevana chete avo vari kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu kwete nyika yose.

Vakatiwo vanhu ava vanogona kubviswa pazvirango kana vakashanda kuti muZimbabwe muve nehutongo hwejekerere nekuremekedza kodzero dzevanhu.

Ambassador Nichols vanotiwo hurumende yavo ichashanda nehurumende yeZimbabwe mukurwisa chirwere chekorera icho chauraya vanhu vanodarika makumi matatu muHarare.

Ambassador Nichols vakatoreswa mhiko muna Chikunguru vachitsiva VaHarry Thomas Junior avo vakaenda pamudyandigere. Vanoti chido chavo kuti Zimbabwe neAmerica dzisimbaradze hukama hwadzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG