Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 05, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gunyana 05, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzedare reNational Assembly pamwe nedzedare reSenate dzinotoreswa mhiko kuitira kuti dzichitanga kuita basa radzo radzakasarudzirwa neveruzhinji.

Makanzura eguta reMasvingo ogadzwawo zviri pamutemo kuitira kuti achitanga basa rekumirira mukanzuru iyi zvido zvevagari vemuguta iri.

Komisheni inoona nezvekurwisa huori ye Zimbabwe Anti-Corruption Commission inoti ine vanhu vakawanda vairi kuferefeta, asi vanhu ava vazhinji vavo vari nhengo dzeG40 muZanu PF, pamwe nevanopikisa hurumende yaVaMnangagwa vanosanganisira VaTendai Biti, avo vari kupomerwa mhosva yekusafambisa zvakanaka basa ravo apo vaive gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa yeGovernment of National Unity yakapera muna Chikunguru 2013, kana kuti makore mashanu apfuura.

Nyanzvi dzozeya nzira dzekurwisa dambudziko re El Nino.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa kutoreswa mhiko kwaitwa mhemgo dzedare reparamende

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG