Vanhu vanokuvara zvakaipisisa kuChipinge zvichitevera mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika nezuro.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura hurongwa hweAgricultural Show yegore rino vasati vasimuka kuenda kuChina
Sangano reZimbabwe Christian Alliance rokurudzira VaMnangagwa kuti vafambise hurongwa hwekuzvitonga kwematunhu, kana kuti devolution, sekuvimbisa kwavakaita pavaitsvaga rutsigiro
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti tsamba iri kutenderera pa social media ichiti munyori mukuru webato iri, VaDouglas Mwonzora, vambomiswa basa, haisi yechokwadi
Makanzura matsva akasarudzwa mukanzuru yeBulawayo anotoreswa mhiko.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa rwendo rwaVaMnangagwa kuChina panguva iyo nyika dzepasi rose, zvikuru dzekumavirira dziri kugunung’una nehurongwa hweChina hwekukweretesa nyika dzichiri kubudirira mari yadzinozotadza kubhadhara izvo zvinozoita kuti China ibate hupfumi hwenyika idzi
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum