Makurukota nevatevedzeri vemakurukota ehurumende vanotoreswa mhiko yekushanda muhurumende zviri pamutemo.
Advocate Jacob Mudenda veZanu PF vanosarudzwa semutauriri weparamende, vachikunda Muzvare Paurina Mpariwa vebato reMDC
Nhengo dzakawanda dzeNational People’s Party inotungamirwa naDoctor Joice Mujuru dzinobuda mubato iri dzichienda kunojoina MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.
Zanu PF inopa basa makurukota ayo akasiyiwa asina basa pakadomwa dare remakurukota nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ichiti makurukota aya ava kunoshandira bato achipuhwa zvose zvavaipihwa apo vaive makurukota ehurumende.
MDC inotungamirwa naVaChamisa inodoma VaWelshman Ncube naVaMorgen Komichi sevamwe vatevedzeri vemutungamiri webato, izvo zvasvitsa vatevedzeri ava pavanhurume vatatu tichisanganisira VaElias Mudzuri, izvo zviri kunzi nevanhukadzi vakawanda hazviratidzi kuremekedza vanhukadzi.
Vanorarama neHIV vanoti vachiri kusarurwa muhupenyu kunyange hanzvo vanhu vari kudzidziswa kuremekedza kodzero dzevanorarama neHIV
Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zvinotarisirwa nevechidiki munyaya dzekusimudzira mitambo munyika zvichitevera kudomwa kwaMuzvare Kirsty Coventry segurukota rezvemitambo nezvevechidiki.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum