Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 30, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 30, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vakawanda vanofa mutsaona yemumugwagwa kuKadoma

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodoma VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi, sevatevedzeri vavo muhurumende.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzoshora kugadzwa kwekomisheni yakaumbwa naVaMnangagwa kuti iferefete mhirizhonga yakaitika musi wa Nyamavhuvhu 1, 2018 iyo yakasiya vanhu vakawanda vafa mushure mekupfurwa nemasoja nyanzvi idzi dzichiti VaMnangagwa havana kutevedza mutemo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya rwendo rwaVaMnangagwa kuChina panguva iyo dzimwe nyika dzepasi rose zvikuru dzekumavirira dziri kugunung’una nehurongwa hwenyika iyi hwe Belt and Road Initiative.

Vashandi vemumabhangi voratidzira vachiti mari dzavari kupihwa ishoma, uye mashandiro avari kuita avanoti haana kunaka.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kutarisirwa nemadzimai muhurumende yaVaMnangagwa

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG