Kusarudzwa kwemeya weguta reBulawayo pamwe nemutevedzeri wake kwange kwakatarisirwa kuitwa nhasi kombomiswa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vodzoka kumusha mushure mekupinda musangano weForum on China-Africa Cooperation kuChina kwakare panguva iyo nyika dzakwanda dzemuAfrica dziri kutarisira rubatsiro kubva kuChina.
Zimbabwe Congress of Trade Unions yokurudzira kuti vashandirwi vawedzere mari dzemihoro yevashandi vavo nezvikamu makumi mashanu kubva muzana panguva iyo zvinhu zvakawanda zviri kukwira mitengo munyika, zvimwe zvichitoshaikwa zvachose.
Vashandi vemumigodhi votarisana nenguva yakaoma zvichitevera kugumurwa kwavari kuitwa pamabasa.
Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti hurumende inofanirwa kuva negwara rinogona kushandiswa neveruzhinji mukusungisa mapurisa nemasoja anenge atyora kodzero dzavo
Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kutarisirwa nevechidiki muhurumende yaVaMnangagwa zvichitevera kukunda kwakaita Zanu PF musarudzo
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum