Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 04, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 04, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kusarudzwa kwemeya weguta reBulawayo pamwe nemutevedzeri wake kwange kwakatarisirwa kuitwa nhasi kombomiswa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vodzoka kumusha mushure mekupinda musangano weForum on China-Africa Cooperation kuChina kwakare panguva iyo nyika dzakwanda dzemuAfrica dziri kutarisira rubatsiro kubva kuChina.

Zimbabwe Congress of Trade Unions yokurudzira kuti vashandirwi vawedzere mari dzemihoro yevashandi vavo nezvikamu makumi mashanu kubva muzana panguva iyo zvinhu zvakawanda zviri kukwira mitengo munyika, zvimwe zvichitoshaikwa zvachose.

Vashandi vemumigodhi votarisana nenguva yakaoma zvichitevera kugumurwa kwavari kuitwa pamabasa.

Magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti hurumende inofanirwa kuva negwara rinogona kushandiswa neveruzhinji mukusungisa mapurisa nemasoja anenge atyora kodzero dzavo

Muchirongwa cheThe Connection paLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kutarisirwa nevechidiki muhurumende yaVaMnangagwa zvichitevera kukunda kwakaita Zanu PF musarudzo

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG