Mhuri yeAmerica iri kuenderera mberi ichichema Senator John Mccain avo vakashaya nechirwere chegomarara musi weMugovera.
Vasati vashaya, VaMcCain vakakumbira vaive vatungamiri venyika VaBarack Obama naVaGeorge Bush vataure parufu rwavo asi vakati havadi kuti mutungamiri wenyika yeAmericva VaDonald Trump vataure. Vaviri ava vaive makara asionane.
VaMcCain vari kutarisirwa kuradzikwa kumarinda e U.S. Naval Academy Cemetery ku Annapolis pedyo neshamwari yavo Admiral Chuck Larson.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuDallas, Texas VaEnock Mupoperi vanoti zvizhinji zvinogona kudzidzwa neZimbabwe kune ruremekodzo riri kupihwa VaMcCain sezvo vange vasina divi ravaishanda vakarerekera kunyangwe hazvo vaive muRepublican.
VaMupoperi vanoti shuwiro yavo ndeyekuti magamba enyika vawanikwe vachiremekedzwa zvisineyi nekuti vanobva mubato ripi.
"Dai hurumende yavaMnangagwa ichangobva kugadzwa yagadzirisa nyaya yekuti gamba ndiyani uye kuti vanosarudzwa seyi.
Gamba renyika harifanirwe kunge richinzi rinobva kubato reZanuPF chete asi kuti kunemamwe mapato. Munhu anenge aitira zvinhu zvinodadisa munyika kana rwira nyika anofanirwa kupihwa ruremerodzo rwegamba zvisina kuti anotsigira bato ripi," VaMupoperi vaudza Studio7.
Facebook Forum