Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 06, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Gunyana 06, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodzoka kumusha mushure mekupinda musangano weForum on China – Africa Cooperation kuChina, uyo wakapindwawo nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica.

Bato reMDC T inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoita musangano weNational Standing Committe

Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoita musangano nevagari pamwe nevane zvido zveguta iri vachirondedzera mashandiro avachaita pamwe netarisiro yavo sameya mutsva weguta guru renyika.

Makanzura ekuChegutu anoisa zvipikiri munzeve achisarudza meya wavanoda zviri kunze nezvinonzi zvakange zvatarwa nevakuru veMDC Alliance

Makanzura ekuMasvingo onetsana zvichitevera kuvhoterwa kwemutevedzeri wameya weguta anobva kubato reZanu PF

Dare repamusoro rinoti mapurisa haana mvumo yekurambidza MDC Alliance musangano wayo sezvayakaita kuKwekwe svondo rapera.

Vamwe vapoteri vemuZimbabwe vari kuBotswana votarisirwa kudzoserwa kumusha nemusi weChishanu chinouya sezvo hupenyu huri kuvaomera paDukwi Refugee Camp pavanogara.

Muchirongwa cheLiveTalk - Women’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa nhengo dzeparamende dzevanhukadzi dzakatoreswa mhiko nezuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG