Vaimbove gurukota rezvehutano, Doctor David Parirenyatwa, vanosungwa vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero hurumende ichiti vakaita huori pamabatiro avakaita nyaya yemushandi wekambani yehurumende yeNatpharm.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoparura zviri pamutemo muzinda wekambani inogadzira matomatisi yeHamara Tomato Plant pamwe neHopeville Housing Project muBulawayo.
Chirwere chekorera chopararira kumamwe matunhu.
Mutauro wokwidza makata zvichitevera hurongwa hweMDC hwekuda kuita musangano neMugovera kuGwanzura stadium panguva iyo mapurisa akabhana misangano nepamusana pekorera.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanodoma makurukota asina kusarudzwa kuve nhengo dzeparamende kudarika huwandu hwavanobvumidzwa nebumbiro remitemo yenyika.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa vanhukadzi vakadomwa kuita makurukota ehurumende.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum