Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 14, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gunyana 14, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vabereki vakawanda vorambidza vana vavo kuenda kuchikoro vachityira kuti vangabatwe nechirwere chekorera chanetsa zvikuru muguta guru renyika

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rinokwanisa kubatsira vanhu vakafirwa nehama dzavo nekuda kwekorera kuti varipwe nehurumende

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vokumbira veruzhinji kuti vabatsire mukurwisa chirwere chekorera nekubvisa mari

Zvitoro zvinotengeswa zvekudya zvotora matanho ekuona kuti vanhu vazvichenesa maoko avo vasati vapinda muzvitoro izvi.

Studio7 inotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zvinogara mumatunhu eNorth ne South Carolina uko kune dambudziko remvuramupengo ine dutumupengo, kana kuti Hurricane Florence

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere chekorera rawira nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG