Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 18, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 18, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanovhura paramende yechipfumbamwe zviri pamutemo vachiti dare iri richazeya nekugadzirisa mitemo yekurerutsa mafambisirwo emabhizimisi, kurwisa huwori pamwe nekuumbwa kwehurumende dzematunhu.

Nhengo dzeMDC dzinobuda muparamende dzichiratidzira dzichiti hadziremekedzi VaMnangagwa semutungamiri wenyika dzichiti mutungamiri wadzo, VaNelson Chamisa, ndivo vakasarudzwa semutungamiri wenyika kunynage hazvo dare reConstitutional Court rakati VaMnangagwa ndivo vakasarudzwa zviri pamutemo

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya mashoko aVaMnangagwa avatura mudare nhasi pasi pechirongwa che State of the Nation Address.

Vanotengesa zvinhu mumigwagwa kuMasvingo vodya marasha zvichitevera kudzingwa kwavari kuitwa mumigwagwa nemapurisa.

Sangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rokurudzira hurumende kuti ivhare zvikoro zvese munyika sezvo zvikoro zvisina kugadzirira kudzivirira kupararira kwechirwere chekorera.

Simba remari ye bond note roramba richipera izvo zvava kuita kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru ichikwira.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zvaturwa muparamende naVaMnangagwa apo vataura muhurongwa hwe state of the nation address.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG