Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 02, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gumiguru 02, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hurongwa hwemari hwakaturwa nebhanga guru renyika rwuchanetsa kuti hubudirire sezvo zvinhu zvisina kumira zvaknaka munyaya dzehupfumi.

Imwe nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaElias Mashavira, voendesa VaChamisa kumatare vachiti VaChamisa havana kusarudzwa zviri pamutemo.

Kanzuru yeguta reBulawayo yoronga kukwidza mitero nezvikamu zvishanu kubva muzana.

Vanotengesa mumigwagwa kuChinhoyi vanoti havasi kufara nekupindira kuri kuita Zanu PF munyaya dzine chekuita nevanotengesa mumigwagwa…

Bhodhi reZimra rinobviswa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa nyaya dzevechidiki nezvipingaidzo zvavanosangana nazvo muhupenyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG