Masangano evarairidzi muZimbabwe anotadza kuungana kuti acherechedze zuva reWorld Teachers Day iro racherechedzwa pasi rose nhasi sezvo muZimbabwe vanhu vasiri kubvumidzwa kuungana nepamusana pechirwere chekorera.
Sangano reZimbabwe Council of Churches roenderera mberi nekutsvaka nzira dzekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaite mushandira pamwe nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kuitira kuti nyika iendere mberi.
Sangano rePrayer Network roita pungwe nhasi richinamata senzira yekucherechedza kupera kwemazuva makumi mana ekunamata nekutsanyira nyika.
Hurumende inobvuma kubhadhara murwiri wekodzero dzevanhu, uye vari mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, zvichitevera kupambwa nekutochwa kwavakaitwa nehurumende muna Zvita 2008
Mukuru wevatongi vematare edzimhosva, VaLuke Malaba, vanoti nyika inofanirwa kurwisa huori kuitira kuti munyika muve nebudiriro.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika, izvo zvinosanganisira kukwira kwemitemo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum