Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 07, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 07, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbova makurukota ehurumende VaSupa Mandiwanzira, VaSaviour Kasukuwere nemukuwasha wevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, VaSimba Chikore vomiswa pamberi pedare nhasi.

VeMDC neZanu-PF vokandirana makobvu nematete nenyaya yekuda kuratidzira kunonzi kuri kurongwa nebato reMDC.

Musarudzo dzemuAmerica, bato remutungamiri wenyika VaDonald Trump remaRepublicans rinokunda musarudzo dzedare reSenate asi richikundwa mudare repasi reHouse of Assembly.

Mabharani mukuru wehurumende kana kuti Registra General VaClement Masango vanoti kushaya mari yekunze kwavekuvhiringidza basa ravo.

Zimbabwe inokunda Bangladesh kanova kekutanga kukunda mumutambo weTest cricket kwemakore mashanu apfuura.

Muchirongwa cheLiveTalk Diaspora Forum tiri kutarisa nyaya yesarudzo dzakaitwa muAmerica nezuro, tichataura nezvizvarwa zveZimbabwe nemaonero avo panyaya iyi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG