Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 01, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 01, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vanonzi vakazendamira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe negurukota rezvemigodhi, VaWinston Chitando, vanonongedzwa pahuori hunonzi huri kuitika mukambani yemarasha yeHwange Colliery. Izvi zvaudzwa komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa nebhodhi reHwange Colliery.

Vakawanda vozeya remangwana ragavhuna webhanga guru renyika, vazhinji vavo vachiti VaJohn Mangudya, vari kutadza kuita basa ravo nemazvo, nokudaro vanofanirwa kusiya basa.

Judicial Service Commission yobvunzurudza vanhu gumi vanoda kutora basa remuchuchisi mukuru wenyika.

Vanhu vakawanda vanoungana kuManicaland vachirangarira vanhu vakaurayiwa nehurumende kuminda yemangoda kwaChiadzwa – asi vamwe vevanhu vaungana ava vamboshungurudzwa nemapurisa.

Masangano akazvimirira anoudza sachigaro weSADC, VaHage Geingob, kuti vapindire muZimbabwe sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nemadzimai munyika panguva iyo zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG