Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 02, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 02, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wechechi yeProphetic Healing and Deliverance, PHD, VaWalter Magaya, vanobvisiswa mari yechibatiso inoita mazana matatu emadhora pamhosva yavari kupomerwa yekutyora mitemo unobata mishonga inorapa.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inomisa danho rakanga ratorwa nedunhu reMatabeleland North rekudzinga meya weVictoria Falls ichiti kudzingwa kwavo kwakaitwa zvisiri pamutemo.

World Food Program inopihwa neAmerica mamiriyoni makumi maviri nemaviri emadhora ichashandiswa mukutengera vanhu chikafu muZimbabwe

Mukombe weCastle Lager Premier Soccer League uchange uri munhandare yeMaglas Stadium kuZvishavane neSvondo apo FC Platinum iri kusangana neShabanie Mine mumutambo ungangobuditsa shasha yenhabvu yeZimbabwe yemwaka uno.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nyaya iri kupomerwa VaMagaya yekuti vanokwanisa kurapa chirwere chegomarara pamwe necheshuramatongo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG