Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Mukucherechedza Zuva reMadzimai Vekumaruwa


Some of the women benefiting from ILO programs. (Courtesy Photo)
Some of the women benefiting from ILO programs. (Courtesy Photo)

Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva remadzimai ari kumaruwa kana kuti international Day of Rural Women rakatarwa nesangano renyika dzepasi rino reUnited Nations.

Mutungamiri wesangano reWomen and Law in Southern Africa Amai Fadzai Traquino vanoti zuva iri rakakosha sezvo riri zuva rekupa mucherechedzo kumabasa anoitwa nemadzimai ekumaruva.

Amai Traquino vanoti sangano ravo rakabatana negurukota nemadzami Amai Sithembiso Nyoni nemamwe masangano range riine zvirongwa kwaChidavaenzi, kwaMutoko uko vange vachicherechedza mabasa ari kuitwa nemadzimai munharaunda iyi.

Dingidira regore rino rakatarwa nesangano reUnited Nations nderekuti "Rural Women the Invisible Mainstay of Sustainability," izvi zvichireva kuti madzimai ekumaruva chero zvazvo vachiita mabasa makuru mukuvandudza hupfumi hwenyika kazhinji kacho havasi kuwana ruremekedzo rwavanofanira kunge vachiwa.

Amai Traquino vanoti hurumende pasi pebazi rezvemadzimai ichange ichizozivisa kuti zuva iri richarangarirwa zviri pamutemo riinhi asi parizvino vanoti vacharamba vachienderera mberi nezvirongwa zvatangwa nesangano ravo kwaMutoko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG