Dare reparamende ratanga kuita misangano nhasi yekunzwa pfungwa dzevanhu panyaya yabhajeti yegore rino.
Bato reMDC rokwira kudare repamusoro soro richigunun’una nemutongo wedare resarudzo reElectoral Court wekuti VaDexter Nduna neZanu-PF ndivo vakakunda VaGift Konyani vebato ravo musarudzo dzedare repamanende kuChegutu East kunyangwe ZEC yakatenda kuti yakakanganisa kuverenga mavhoti.
Musika wemabhuku weZimbabwe International Book Fair, ZIBF, unovhurwa nhasi muHarare paine kuchema chema kuti kudhindwa nekuburitswa kwemabhuku kuri kukanganiswa nemamiriro akaita hupfumi.
FC Platinum yaswedera pedyo nekutora mukombe we 2018 Castle Lager Premier Soccer League zvekare apo Shabanie Mine ichiburitswa mugungano iri.
Munyaya dzezvehutano, nhasi tine hurukuro nenyaya yechirwere chegomarara repazamu.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nyaya yekushomeka nekudhura kwezvinhu muzvitoro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum