Vanhu vakawanda munyika vanorangarira kuurayiwa nekukuvadzwa kwakaitwa vanhu gore rapera mumhirizhonga yakaitika musi waNyamavhuvhu 01, 2018
Hurumende inozivisa muhurongwa hwayo hwekushandiswa kwemari pakati pegore kuti mutengo wemagetsi wakwira nezvikamu zvinodarika mazana maviri kubva muzana.
Mumwe mukuru mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, Va Douglas Tapfuma, vanomiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa neZimbabwe Anti Corruption Commission, ZACC, mhosva yekuita zvehuori.
Mutengo wepeturu nedhiziri unokwira zvakare panguva iyo mari dzekupaka motokari muHarare dzichikwidza nezvikamu mazana mana kubva muzana.
Dare repamusoro reHigh Court nhasi rarerutsira zvishoma hurongwa hwekunozvipira kumapurisa kwevanorwira kodzero dzevanhu vanomwe vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yemutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa.
Gurukota rezvevashandi Amai Sekai Nzenza vanovimbisa kuti magwaro anoratidza kusafambiswa zvakanaka kwemari kuNSSA achaburitswa munguva pfupi inotevera.
Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, votarisirwa kumiswa pamberi pematare vachipomerwa mhosva dzine chekuita nehuoro hunonzi hwakaitwa kuNational Social Security Authority apo vaive gurukota rezvevashandi nemabasa.
Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vanosungwa neboka reZimbabwe Anti Corruption Commission vachipomerwa mhosva yekuita huori panyaya dzine chekuita nekufambiswa kwemari musangano reNational Social Security Authority.
Hurumende yoedza kukwezva vari kunze kwenyika ichiti vane basa guru rekubatsira mukusimudzirwa kwehupfumi hwenyika.
Rimwe remasangano anomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, rinoti nhasi riri kuita musangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizeya matambudziko evarairidzi vakaremara pamwe nezvimwe zvichemo zvevarairidzi.
Hurumende yowedzera mari yemafuta ekufambisa kusvika pamadhora manomwe nemasendi makumi mana nemashanu papeturu, ukuwo dhiziri ichiwedzerwa kusvika pamadhora manomwe nemasendi gumi nemanomwe.
Masangano evanhukadzi ari pasi peWomen’s Coalition of Zimbabwe, anoti ari kushushikana zvikuru nenyaya dzevanhukadzi vari kubuda vachitaura kuti vakabatwa chibharo, kana kuitwa zvepabonde navo nemukuru wechechi ane mukurumbira munyika, Prophet Walter Magaya.
Rimwe remasangano anomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, rinoti nhengo dzaro dzichatanga kuramwa mabasa mangwana richiti mari iri kutambiriswa vadzidzisi ishoma zvikuru.
MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoshora kutyisidzirwa nerufu kuri kuitwa hutungamiri hwesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, panguva iyo vanorwira kodzero dzevanhu vari kuchema chema nekumbunyikidzwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyaya dzakasiyana siyana.
Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatoresa mhiko nhengo dzekomishini ichange ichiona nezvehuori munyika yeZimbabwe Anti-Corruption Commission.
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vanodirwa mvura nezvizvarwa zveZimbabwe zvange zvichiratidza kusafara nekuve kwaVaMoyo muLondon. Izvi zvaitika pavange vobva paChatham House apo VaMoyo vange vaine musangano.
Mumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vovharirwa mutirongo kwemasvondo maviri zvichitevera kunyimwa kwavaitwa nemutongi wedare remajisitireti wekuBikita, mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Vatsigiri veMDC voratidzira padare ramejasitireti muHarare vachiratidza kutsamwa nekunonoka kuiswa kudare iri kwemumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala.
Mumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vanosungwa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende zvichitevera mashoko avanonzi vakataura pamusangano wakaitwa kuBikita kuMasvingo mukupera kwesvondo.
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti vachawedzera vashandi vehurumende mari pamberi pemusangano wavo nevashandi ava mangwana.
Rodhai zvimwe