Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 23, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Rimwe remasangano anomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, rinoti nhasi riri kuita musangano nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizeya matambudziko evarairidzi vakaremara pamwe nezvimwe zvichemo zvevarairidzi.

Kupokana pamusoro pezviri kuitika mukanzuru yeBulawayo kuri kuenderera mberi chimwe chikwata chinozviti Save Bulawayo Campaign chichiti chinoda kuti makanzura eBulawayo abviswe

Nyanzvi dzezvehupfumi dzozeya kukwira kuri kuita mitengo yezvinhu zvichitevera kukwidzwa kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari, mabhazi, matiraki nezvimwe.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kuitwa nevanhu vakaita chirongwa che Mandela Washington Fellowships panguva iyo vari muchirongwa ichi gore rino vari kuungana muWashington DC kutanga neSvondo apo chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muchirongwa chegore rino, VaDzikamai Bere, vachapihwa mubayiro wekurwira kodzero dzevanhu..

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG