Meya weBulawayo, VaSolomon Mguni, vanobuda mumusangano wavaita negurukota remhando dzemoto, VaFortune Chasi, zvichitevera kupesana kwavo pahurongwa hwehurumende hwekuda kuparadza zvivakwa zviviri zveZesa zviri muguta reBulawayo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanotumira mashoko ekukorokotedza America muzuva rayo rekuwana kuzvitonga.
Hurumende yoronga kuvandudza mutemo unobata kudzivirirwa kwenyika kuitira kuti ikwanise kubhadhara vaimbove varwiri verusununguko mari dzinoenderana nemari inotambirwa nemusoja ane nyembe dzameja, uye kuti vabhadharirwe mari kana vachinge varwara kana kufa.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoudza kutambura kuri kuita veruzhinji munzvimbo dzinogara veruzhinji muguta reHarare.
Hurumende yozadza mapurisa mumigwagwa ichityira kuratidzira kwange kwadaidzirwa nesangano reTajamuka uku gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika richiyambira kuranga vose vanoratidzira.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nemadzishe ekuMatabeleland neMidlands vachizeya nhunha dzematunhu aya pamwe nenyaya yeGukurahundi mumusangano warambidzwa vatori venhau kunzwa zvanga zvichiitika.
Vagari vekuDomboshawa voita musangano wechimbi chimbi wekuzeya danho rakatorwa nehurumende rekuti kambani yeku China itange mugodhi wematombo izvo zvichaita kuti vanhu vakawanda vatamiswe kubva munzvimbo dzavanogara.
Hurumende inoti vanotumira mari dzavo vachishandisa Western Union kana Moneygram havafanirwe kutyira kuti mari idzi dzinotambirwa muZimbabwe dzava ma RTGS sezvo mutemo usina kuchinja izvo zvichita kuti vari munyika varambe vachitambira mari idzi dziri mumari yekunze kwenyika.
Vamwe vane zvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasiyana siyana munyika vanoti vari kuramba kuteerera zvakatarwa nehurumende nezuro zvekuti vatengese zvinhu zvavo vachishandisa mari yemunyika chete, kwete kuti vatengese nemari dzekunze kwenyika.
Hurumende inoti vanhu vave kungobvumidzwa kushandisa mari yemaRTGS chete munyika kwete dhora rekuAmerica, Rand, Pula nedzimwe dzange dzichishandiswa kunyangwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzichiti hapana zvizhinji zvichachinja kumunhuwo zvake.
Chikwata chenhabvu cheZimbabwe Warriors chiri kukweshana nechikwata chemaPharoahs chekuEgypt nhasi manheru munhandare yeCairo Internatioanal Stadium mumutambo uchavhura makundano eAfrica eAfrica Cup of Nations ayo ari kuitirwa kuEgypt.
Zimbabwe inobatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva revapoteri pasi rose reWorld Refugees Day panguva iyo zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni akawanda zviri muhupoteri kune dzimwe nyika.
Chingwa icho chiri kushaikwa chowedzerwa mutengo kunyangwe hazvo Grain Millers Association iri kuti yapihwa mari yekutenga gorosi nebhanga reRBZ.
Dare reInternational Criminal Court rinotenda kuti pane vanhu vakaripira nyaya yekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaferefetwe nenyaya yekupfurwa kwakaitwa vanhu nevanofungidzirwa kuti mauto.
Muguta reHarare nhasi mafuma makazara mapurisa anodzivirira mhirizhonga sezvo zvinhu zvisina kugadzikana nemamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi.
Vashandi vehurumende vochema chema nekwavanoti kutadza kuzadzikiswa kwevimbiso yehurumende kuvawedzera mari mwedzi uno.
Mumiriri weGlen View South muparamende vachimirira MDC, Amai Vimbai Tsvangirai-Java, avo vakashaya svondo rino kuWest End Clinic, voradzikwa nhasi kumarinda eGlen Forest muHarare.
Mafuta ekufambisa dzimotokari owedzerwa mutengo zvinotarisirwa kuona mitengo yezvinhu ichiwedzerwa zvakanyanya.
Vechidiki veMDC vanoti vari kuronga kuratidzira mwedzi uno wose nekusafara nemamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi.
Mumiriri weGlen View South mudare reparamende vari nhengo yeMDC Amai Vimbai Tsvangirai Java, mwanasikana wevaive mutungamiri weMDC muchakabvu Morgan Tsvangirai avo vakaita njodzi yemumugwagwa muna Chivabvu vashaya.
Rodhai zvimwe