Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikumi 26, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inoti vanotumira mari dzavo vachishandisa Western Union kana Moneygram havafanirwe kutyira kuti mari idzi dzinotambirwa muZimbabwe dzava ma RTGS sezvo mutemo usina kuchinja izvo zvichita kuti vari munyika varambe vachitambira mari idzi dziri mumari yekunze kwenyika.

ZCTU inoti yawirirana nevashandirwi mumasangano weTripartite Negotiating Forum kuti hurumende imise hurongwa hwayo hwekurambidza kushandiswa kwemari yekunze munyika ichiti nyaya iyi haina kutanga yazeyiwa neTripartite Negotiating Forum sezvinodiwa nemutemo.

Zimbabwe inoti yabhadhara imwe yemari dzechikwereti kumakambani ekunze anogadzira magetsi asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanirwa kubhadhara zvikwereti zvayo zvese kuitira kuti itange kukwereteswa magetsi ayo ari kunetsa munyika.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti hurongwa hwehurumende hwekushandura maitiro emapurisa hunofanirwa kuzadziswa nezviito kwete kuti hungopera mumapepa.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvinofungwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika pamusoro pemari dzazvinotumira kumusha.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG