Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 04, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanotumira mashoko ekukorokotedza America muzuva rayo rekuwana kuzvitonga.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vanoti varimi ndivo vachakosheswa zvakanyanya mukuwaniswa peturu nedhiziri izvo zvinodiwa zvakanyanya mukurima kwavanoita.

Sachigaro veZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, vanoti veruzhinji vari kusangana nematambudziko akawanda kana vachida kutora magwaro akaita seekuzvarwa, zvitupa pamwe nemapasipoti.

Vamwe vane dzimba dzavari kurojesa voramba kutambira mari yema RTGS vachiti vanoda kupihwa mari yavo iri mumadhora ekuAmerica.

Chikwata cheZimbabwe Netball team chinosimuka munyika chakananga kumakwikwi e2019 World Cup kuEngland.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyaya dzakasiyana siyana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG