Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikumi 20, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe inobatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva revapoteri pasi rose reWorld Refugees Day panguva iyo zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mamiriyoni akawanda zviri muhupoteri kune dzimwe nyika.

Vanhu vakawanda voratidza kusafara nedanho rehurumende rekuhaya kambani yechipiri muAmerica kuti ibatsire mukugadzirisa hukama hwehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa nehurumende yaVaDonald Trump, kambani yeAvenue Strategies ichipihwa mari inoita miriyoni imwe chete yemadhora panguva iyo muzvipatara zvehurumende zvisina mishonga.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya zviri kuitika muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa zvichitevera kudomwa kwevanhu vachange vachifambisa mabasa mubato iri.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoudzwa neAmerica kuti vanofanirwa kusunga mauto akapfura vanhu vakafa munguva yekuratidzira senzira muZimbabwe senzira yekuratidza kuzvipira kwehurumende yavo mukuona kuti mitemo yenyika yatevedzwa nemazvo

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zuva reWorld Refugees Day racherechedza nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG