Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikumi 28, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nemadzishe ekuMatabeleland neMidlands vachizeya nhunha dzematunhu aya pamwe nenyaya yeGukurahundi mumusangano warambidzwa vatori venhau kunzwa zvanga zvichiitika.

Kukwira kwemitengo yezvinhu kwovhiringa vakawanda munyika sezvo vasina mari dzekutenga chikafu chinokwanira mhuri dzavo.

Gurukota rezvemaindasitiri roshora zvikuru kukwidzwa kuri kuitwa mitengo yezvinhu.

Hurumende inopa masimba anotsigirwa nemutemo kambani yeGrain Marketing Board kuti ive iyo chete inotenga nekutengesa chibage munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kuoma kwaita zvinhu munyika munyaya dzehupfumi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG