Chingwa icho chiri kushaikwa chowedzerwa mutengo kunyangwe hazvo Grain Millers Association iri kuti yapihwa mari yekutenga gorosi nebhanga reRBZ.
Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi vanoti kushaikwa kwemagetsi ndiro dambudziko guru rakatarisana nenyika parizvino uye kuti dambudziko iri ripere, hurumende, makunzuru neveruzhinji vanofanira kubhadhara zvikwereti zvavo kuZESA .
Zanu-PF yotumira mashoko enyaradzo kumutevedzeri wevanokokera bato iri mudare reparamende VaObedingwa Mguni avo vakashaya nezuro.
Nhasi Studio 7 inenge ichitarisa matambudziko akatarisana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muSouth Africa.
Vechidiki vemuZimbabwe vakabatana nevamwe vemuAfrica vanosvika muAmerica nhasi pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship chekudzidziswa hutungamiri
Muchirongwa cheDiaspora Forum tiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika nemaonero azvo panyaya yehurumende yekubhadhara makambani ekuAmerica mari inodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu pagore kuti ibatsirwe kuti zvirango zvakatemerwa vakuru vehurumende zvibviswe.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum