Vamwe vane zvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasiyana siyana munyika vanoti vari kuramba kuteerera zvakatarwa nehurumende nezuro zvekuti vatengese zvinhu zvavo vachishandisa mari yemunyika chete, kwete kuti vatengese nemari dzekunze kwenyika.
Sangano reTajamuka rinoendesa gwaro renyunyuto kumahofisi emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, richivakurudzira kuti vagadzirise zviri kunetsa munyika, kana vachinge vatadza kugadzirisa zvinhu izvi, sangano iri rinoti richakurudzira kuramwa mabasa kutanga nemusi wa Chikunguru 1, 2019
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzozeya zvinoreva danho rakatorwa nehurumende rekudzika mutemo unomanikidza kusashandiswa kwemari yekunze munyika, weStatutory Instrument 142.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa matambudziko ari kusangana nevechidiki munyaya dzemabhizinesi takatarisa kuoma kuri kuita zvinhu munyika munyaya dzemari.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum