Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 02, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dare remakurukota roita musangano wekuzeya zviri kuitika munyika panguva iyo zvinhu zvakawanda zvakaita manyama amire nerongo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzozeya mamiriro akaita zvinhu munyika panguva iyo nyaya yemari iri kunetsa muhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Nyanzvi dzozeya zvinoreva nezvinofanirwa kuitwa pagwaro rakaburitswa naAuditor General, Amai Mildred Chiri, iro rakaburitsa huori huri kuitwa nemapazi ehurumende.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zvakaitwa nechikwata chema Warriors kuAfcon, uye kutarisa remangwana remaWarriors mumakwikwi enhabvu yemuAfrica nepasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG