Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Chitatu, Chikumi 12, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mafuta ekufambisa dzimotokari owedzerwa mutengo zvinotarisirwa kuona mitengo yezvinhu ichiwedzerwa zvakanyanya.

Mhuri yeMDC yoenderera mberi ichionekana naAmai Vimbai Tsvangirai Java avo vari kutarisira kuradzikwa mangwana kuGlen Forest Memorial Park.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vodoma Muzvinafundo Paul Mapfumo kuti vave mukuru kana kuti Vice Chancellor weUniversity of Zimbabwe.

Kanzuru yeHarare yoyambira vanhu nezvekupararira kwechirwere chemanyoka kuBudiriro, Glen View neGlen Norah.

Muchirongwa cheLiveTalk-Diaspora Forum na8pm nhasi tiri kutarisa nyaya hurongwa hwehurumende hwekuda kupa vari kunze kwenyika magwaro ekuZimbabwe kunyangwe vaine ekunze kana kuti dual citizenship.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG