Vagari vekuDomboshawa voita musangano wechimbi chimbi wekuzeya danho rakatorwa nehurumende rekuti kambani yeku China itange mugodhi wematombo izvo zvichaita kuti vanhu vakawanda vatamiswe kubva munzvimbo dzavanogara.
Vemabhizinesi voshushikana zvikuru nemutemo mutsva unovasungira kutengesa zvinhu zvavanogadzira nemari yemunyika chete kwete yekunze.
Masangano evarairidzi opesana pamashoko ehurumende ekuti yakatara mutemo wekuti hurumende isabvumidza kushandiswa kwemari yekunze sechikumbiro chakaitwa nevarairidza
Gurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, vanoti vachasvitsa kudare remakurukota zvakabuda mumusangano weTripartite Negotiating Forum nezuro
Muchirongwa cheLiveTalk - Women’s RoundTable na8pm tiri kutarisa kuoma kwaita zvinhu munyika munyaya dzehupfumi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum