Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China Chikumi 13, 2019


Misoro yeNhau

Mumiriri weGlen View South muparamende vachimirira MDC, Amai Vimbai Tsvangirai-Java, avo vakashaya svondo rino kuWest End Clinic, voradzikwa nhasi kumarinda eGlen Forest muHarare.

Nhengo dzeparamende dzinoshanyira jeri reChikurubi, uko dzinonzwa nezvematambudziko akatarisana nevasungwa anosanganisira kushaikwa kwemishonga, chikafu pamwe nezvimwe zvinodiwa.

Nhengo dzevechidiki dzebato riri kutonga reZanu PF mudunhu reMashonaland West dzovimbisa kumira nemutungamiri webato uye vari mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kunyangwe zvinhu zvakaoma sei munyika.

Chikwata chenyika chemutambo webhora remaoko, we netball, chononokerwa nerwendo rweku England kumakundano emadzimai ebhora remaoko epasi rese, e2019 World Cup, ayo ari kutanga musi wa12 Chikunguru.

Muchirongwa cheLiveTalk-Women’s RoundTable na8pm nhasi tiri kutarisa nezvehupenyu hwemushakabvu, Amai Vimbai Tsvangirai-Java, vaive mumiriri weGlen View South muparamende nemabasa avakabata.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG