Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Chikumi 17, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Muguta reHarare nhasi mafuma makazara mapurisa anodzivirira mhirizhonga sezvo zvinhu zvisina kugadzikana nemamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats inoti mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation wasvika pazvikamu makumi mapfumbamwe nemasere nezviga zvisere kana kuti 97.8%.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voita musangano nevatori venhau vemasangano ekunze.

Bazi rezvehutano roparura mushonga mutsva uchapiwa vanhu vari kurarama nehutachiwana hweHIV unonzi Dolutegravir kana kuti DTG.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muBotswana zvotaura nezvematambudziko azvo munyika iyi.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm nhasi tiri kutarisa kusagadzikana kuri munyika kwopa kuti mapurisa azare mumaguta akaita seHarare uku mauto achinzi akagadzirirawo achityira kuratidzira kwevanhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG