Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 26, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, votarisirwa kumiswa pamberi pematare vachipomerwa mhosva dzine chekuita nehuoro hunonzi hwakaitwa kuNational Social Security Authority apo vaive gurukota rezvevashandi nemabasa.

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yotanga misangano mangwana munzvimbo dzakasiyana siyana panguva iyo VaChamisa vari kukurudzirawo vanhu kuti vanamatire nyika kwemazuva mana kutanga neMuvhuro.

Mumwe mutyairi wendege kuAir Force of Zimbabwe anotongerwa kugara mujeri kwemakore makumi maviri mushure mekuwanikwa aine mhosva yekuuraya musikana waaidana naye gore rapera.

Vagari vemuBulawayo vopesana panyaya yekuti guta iri rimboiswa here kana kuti kwete mumaoko ekomisheni yehurumende zvichitevera makakatanwa ari kuitika mukanzuru yeguta iri pamwe nekupomerwa huori kuri kuitwa makanzura eguta reBulawayo.

Masangano ekuAmerica eInternational Republican Institute pamwe neNational Democratic Institute, ayo akaongorora sarudzo gore rapera, anoti kunyange hazvo Zimbabwe yakatarisana nezvimhingamupinyi munyaya yekuvandudza zvinhu zvakawanda, nyika ichine mukana mukuru wekugadzirisa zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dzichatevera dzisati dzaitwa.

Chikwata cheZimbabwe Netball team chinotambirwa zvine mutsindo zvichitevera kutamba kwachakaita kumakwikwi enhabvu yevanhukadzi pasi rose kuLiverpool kuBritain

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yehuori huri kuitika munyika pamwe nematanho anofanirwa kutorwa kuitira kuti huori uhu hupere zvachose munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG