Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 25, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira, vanosungwa neboka reZimbabwe Anti Corruption Commission vachipomerwa mhosva yekuita huori panyaya dzine chekuita nekufambiswa kwemari musangano reNational Social Security Authority.

Mapato anopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu votambira nemufaro mutongo wakaturwa nemutongi wedare repamusoro rekuMasvingo, Va Joseph Mafusire, wekuti nhepfenyuro yeZBC nemapepanhau eZimpapers zvishande sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika, kwete kurerekera kuZanu PF, asi kupa mikana yakaenzana kumapato ose ezvematongerwo enyika.

Komisheni inoona nezverunyararo, yeNational Peace and Reconciliation Commission, yonzwa nyaya dzinosiririsa dzichitaurwa nevakapona munguva yeGukurahundi kuMatabeleland South.

America inobatsira vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai nemari inosvika mamiriyoni mana nemazana manomwe ezviuru zvemadhora.

Chikwata cheZimbabwe Netball team chinotambirwa zvine mutsindo zvichitevera kutamba kwachakaita kumakwikwi enhabvu yevanhukadzi pasi rose kuLiverpool kuBritain

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa hurongwa hwekuvandudza mutemo wekuroorana, Marriage Amendment Bill, uyo wasimudza mutauro mukuro munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG