Dare repamusoro reHigh Court nhasi rarerutsira zvishoma hurongwa hwekunozvipira kumapurisa kwevanorwira kodzero dzevanhu vanomwe vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yemutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa.
Asi vanorwira kodzero dzevanhu ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi. Vanomwe ava vanzi vaende kunozvipira kumapurisa kamwe chete pavhiki kwete kamwe chetepazuva sezvavanga vachiita kubva zvavakasungwa.
Mushure mekuenda kumusangano wekuMaldives wavanoti wainge usinei nekupidigura hurumende.
Vakasungwa vanoti VaGeorge Makoni, VaTatenda Mombeyarara, VaGamuchirai Mukura, VaNyasha Mpahlo, muzvare Farirayi Gumbonzvanda, muzvare Sithabile Dew uye muzvare Beauty Rita Nyampinga.
Vanomwe ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi.
Muzvare Stabile Dewa, mukuru wesangano reWomen's Academy For Leadership and Political Excellence vanoti varikufara nekurerutsirwa uku.
Facebook Forum