Hurumende yoedza kukwezva vari kunze kwenyika ichiti vane basa guru rekubatsira mukusimudzirwa kwehupfumi hwenyika.
Gweta rakaferefeta kupindira kweRussia musarudzo dza 2016 muAmerica, VaRobert Mueller, vobvunzurudzwa zvakare nedare rekongiresi.
Kanzuru yeFrancistown muBotswana inopa mvumo zvizvarwa zvinobva kune dzimwe nyika kusanganisira Zimbabwe yekuita mabhizimisi akanga asingabvumirwe kuvanhu vasiri zvizvarwa zveZimbabwe.
Chirongwa chekuti vanhu vazvibikire chingwa munzvimbo dzavanogara chosimudza mutauro kuMashonaland West zvichitevera kubiwa kwefurawu inobika chingwa ichi.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kukundikana kwehurumende kuwanisa vari kunze kwenyika magwaro ekufambisa panguva iyo hurumende iri kukurudzira vari kunze kwenyika kuuya kuzodyara mari dzavo munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum