Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Nyamavhuvhu 01, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende inozivisa muhurongwa hwayo hwekushandiswa kwemari pakati pegore kuti mutengo wemagetsi wakwira nezvikamu zvinodarika mazana maviri kubva muzana.

America inotemera zvirango zvehupfumi kune vari kutarisirwa kuva mumiriri weZimbabwe kuTanzania, Retired Major General Anselem Nhamo Sanyatwe, pamwe nemudzimai wavo, Chido Machona, ichiti VaSanyatwe mumwe wevanhu vakakonzeresa kufa kwevanhu mumhirizhonga yakaitika musi wa 1 Nyamavhuvhu 2018 pamwe nemhirizhonga yakaitika muna Ndira 2019.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzozeya pamire nyika gore rimwe chete muZimbabwe maitwa sarudzo, uye vanhu vanopfuura chiuru chimwe chete vasungwa, vanhu gumi nevatatu vafa, uye vanhu vanodarika mazana matanhatu vakuvara mumhirizhonga yakaitika muna Ndira 2019

Vanhu vonetsekana nekuwana mapasipoti sezvo hurumende iri kunetsekana kuwana mapepa emhando yepamusoro anoshandiswa kudhinda mapasipoti pamwe ne ink inokosha inoshandiswa pakudhinda mapasipoti, asi vamwe vane ruzivo rwezviri kuitika muhurumende vachiti nyaya yemapasipoti iri kukonzerwa negakava riripo pakati pehurumende nekambani yekuIsrael, Nikuv, iyo inonzi haisi kuwirirana nehurumende panyaya yemari yainofanirwa kubhadharwa.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa mhirizhonga yakaitika gore rapera iyo yakasiya vanhu vakawanda vafa nekukuvadzwa musi wa 1 Nyamavhuvhu 2018.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG