Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 29, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Gurukota rezvevashandi Amai Sekai Nzenza vanovimbisa kuti magwaro anoratidza kusafambiswa zvakanaka kwemari kuNSSA achaburitswa munguva pfupi inotevera.

Zimbabwe International Book Fair yegore rino yotanga muHarare nhasi.

Hurumende yotatarika kugadzirisa hupfumi hwenyika zvopa kuti mamwe makambani avhare nekushaya magetsi, mari yekunze nezvimwe zvikwanisiro.

Munhau dzemitambo, Zimbabwe Warriors yakunda Mauritius 4-0 mumutambo weAfrican Nations Championship.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa mamiriro ezvinhu munyika sezvo vakawanda vononga svosve nemuromo nenhamo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG