Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Chikunguru 22, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yowedzera mari yemafuta ekufambisa kusvika pamadhora manomwe nemasendi makumi mana nemashanu papeturu, ukuwo dhiziri ichiwedzerwa kusvika pamadhora manomwe nemasendi gumi nemanomwe.

VeConfederation of Zimbabwe Industries neEconet vanoti kushaikwa kwemagetsi kwave kudzosera mabasa kumashure zvakanyanya.

Varairidzi vari pasi peAmalgamated Rural Teachers Union votanga kuramwa mabasa nhasi.

Vanhu vakawanda munyika vofara nekutamba kwakaita chikwata cheNetball kumakwikwi eNetball World Cup kuLondon.

Muchirongwa cheLiveTalk nhasi tiri kutarisa nezvekukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari nemitengo yezvimwe zvinhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG