Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Chikunguru 30, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutengo wepeturu nedhiziri unokwira zvakare panguva iyo mari dzekupaka motokari muHarare dzichikwidza nezvikamu mazana mana kubva muzana.

Vanamukoti vemuzvipatara nemakiriniki ekanzuru muguta reHarare vanoti vava kukwanisa kuenda kubasa kamwe chete pasvondo sezvo vasina mari dzekufambisa pamwe nekuomerwa nezvinhu muhupenyu hwavo.

Vaimbove mukuru wekambani yeTobacco Sales Floor, Va Philemon Mangena, voyambirwa kuti danho ravo rekuendesa kumatare edzimhosva vanhu vakapa humbowo pamberi pekomiti yeparamende, rinogona kuvapinza muna taisireva sezvo kuita kwakadai kuchizvidza mitemo yeparamende.

Zvinhu zvoramba zvichikwira mitengo izvo zvava kuita kuti veruzhinji vaomerwe nehupenyu munyika.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa chirongwa cheMandela Washington Fellowship icho chiri kupindwa nevechidiki vekuZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG