Mumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vanosungwa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende zvichitevera mashoko avanonzi vakataura pamusangano wakaitwa kuBikita kuMasvingo mukupera kwesvondo. Zvichitevera kusungwa kwaVaSikhala, pave nevanhu makumi maviri nemumwe chete vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.
Makanzuru ose ari munyika anoti anoda kuvandudza mabhajeti awo egore rino sezvo mari yakanga yawiriranwa kushandiswa gore rino isisakwane nepamusana pekupera simba kuri kuita mari uye kukwira kwemitengo yezvinhu.
Mamwe masangano evashandi vehurumende opinda mumusangano wekuzeya nyaya dzemihoro nehurumende, asi masangano akaita seProgressive Teachers Union of Zimbabwe nemamwe haasi kupinda mumusangano uyu.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki vemuZimbabwe vakadomwa neForbes Africa sevanhu vari kuunza pundutso munyaya dzemabhizinesi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum