Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro Chikunguru 15, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatoresa mhiko nhengo dzekomishini ichange ichiona nezvehuori munyika yeZimbabwe Anti-Corruption Commission.

Mutevedzeri wasachigaro weMDC VaJob Sikhala vanopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Vashandi vehurumende voita musangano wekuyedza kuti vabude nechisungo chimwe chete pakuti vawedzerwe mari nehurumende.

Vakawanda munyika vofarira kutamba kwechikwata cheNetball chemaGems chiri kumakwikwi eWorld Cup kuBritain.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kutoreswa mhiko kwemakomishina eZimbabwe Anti-Corruption Commission nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG