Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 18, 2019


Nhau DzeShona Studio7

Rimwe remasangano anomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, rinoti nhengo dzaro dzichatanga kuramwa mabasa mangwana richiti mari iri kutambiriswa vadzidzisi ishoma zvikuru. Izvi zvouyawo panguva iyo sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions richiti riri kuenderera mberi nekuronga kuratidzira munyika yose.

Sangano ravanamukoti reZimbabwe Nurses Association, rinoti richatanga ranzwa kunhengo dzaro matanho ekutora zvichitevera kusawirirana kwariri kuita nehurumende munhaurirano dziri kuitwa.

Hurumende yeAmerica yobatsira nenyanzvi pamwe nemari mukuvandudzwa kwechipatara chekanzuru yeHarare cheWilkins.

Studio7 yatarisa zvakadzama gakava rerusarura marudzi rwononzi rwuri kuitika mukanzuru yeguta reBulawayo

Chikwata cheZimbabwe Netball chema Gems chinokundwa neMalawi mumutambo wakakosha mumakwikwi e2019 Netball World Cup watambirwa muLiverpool kuBritain.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nechikwata chenhabvu cheZimbabwe Netball chema Gems kuBritain.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG